Amnesty International Inoti Vakaponda Vanhu Ngavasungwe

Sangano reAmnesty International neChishanu rakaburitsa gwaro pamwe nemifananidzo inoratidza kuti vanhu vemuZimbabwe vari kutambura zvikuru nenzara, uye kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezve matongerwo enyika. Izvi zvinonzi zviri kuwedzerwawo nekunonoka kuwirirana kwe MDC neZANU-PF mukuumba hurumende yemubatanidzwa.

Sangano iri rinotiwo vanhu vose vakapara mhosva dzekuponda, kurova, kana kupisa misha yevanhu panguva yesarudzo, vanofanirwa kusungwa. Amnesty International inoti kuita izvi kunopodza maronda, uye yati vakawanda vari kupomerwa mhosva idzi, vanhu vanozivikanwa.


Sangano iri rashorawo nyaya yekuti munhaurirano hapana ari kutaura nezvenyaya iyi.

Asi bato reMDC rakatokwidza nyaya iyi kudare reparamende, iro rakabvuma kuti izeyiwe kunyange ZANU-PF yakapikisa kukandwa kwenyaya iyi mudariro.

Amnesty International inotiwo kunonoka kuumba hurumende yemubatanidzwa kwave kupa kuti vanhu vakawanda vanonge svosve nemuromo. Mashoko aya anonzi nehurumende yeZimbabwe ndeemugotsi matsuro.

Vaimbova mumiriri weZimbabwe kuChina, uye vari nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZANU-PF, VaChris Mutsvangwa, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti Amnesty International iri kuita zvehunhubu.

Asi chief whip veMDC mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti vakapara mhaka vanofanira kuferefetwa.

VaSimeon Mawanza, avo vanoongorora nyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe mu Amnesty International vanoti zviri kutaurwa neZANU-PF ndezvemugotsi matsuro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...