Bishop Bakare Vanoremekedzwa neMubairo weKurwira Kodzero dzeVanhu

Bishop Sebastian Bakare veAnglican Church muZimbabwe, vapihwa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu weSweden 2008 Per Anger.

Mubairo uyu unotsigirwa nehurumende yeSweden, uye unouya nemari inoita US$19,700. Bishop Bakare vakatarisirwa kunotambira mubairo uyu ku Sweden musi wa 10 Mbudzi.

Bishop Bakare ndivo vakatora chinzvimbo chakasiyiwa naBishop Nolbert Kunonga. VaBakare vanoti vacharamba vachitaura pamusoro pehutongi hwakaipa huri munyika.

Bishop Bakare vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, kuti mubairo uyu chiratidzo chekuti vanhu vemuZimbabwe havasati vasununguka, uye havasati vave kufara nezviri kuitwa nehurumende yeZANU-PF, iyo iri kuramba ichimbunyikidza ruzhinji rwevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...