Vanorarama neHIV/AIDS Voshaya Mishonga muZvipatara

Hupenyu hwevanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu vanopiwa mishonga yemaAnti Retroviral Drugs, kana kuti ARVs, kuzvipatara zveHarare neParirenyatwa, huri panjodzi zvichitevera kusamira zwakanaka kwezvinhu muzvipatara izvi.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, kuramwa mabasa kuri kuitwa navana chiremba nevana mukoti muzvipatara izvi, ndiko kwaita kuti zvinhu zviomere varwere ava.

Zvichkadaro, kuparara kwezvinhu munyaya dzehutano munyika kunonzi kwava kuita kuti varwere vazhinji vafire mudzimba dzavo, sezvo zvipatara zvizhinji zvehurumende zvisina vashandi vari kuita basa. Zvipatara zvakazvimirira zvoga zvinonzi zviri kudaidzirawo mari yakawanda inofanirwa kubhadharwa nemurwere asti atambirwa.

Asi izvi hazvisi kukwanisika, sezvo vanhu vari kutadza kutora mari dzavo kubva kumabhanga nekuda kwemari dzinobvumidzwa kutorwa pazuva, idzo dzisina zvadzichatenga. Apa ndipo pari kupindawo nyaya yekuparara kwehupfumi, izvo zvava kuita kuti nyika ishandise mari yekunze sezvo yemunyika isisina simba.

Mukutsvagawo maonero evamwe panyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio7 abata mumiriri wekwe muparamende, uye vakambova sachigaro wemukomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaBlessing Chebundo, pamwe nenyanzvi munyaya dzeupfumi, uye vari kuita zvidzidzo zvepamusorosoro munyaya dzeupfumi kuBirmingham ku Britain, VaProsper Chitambara.

Vaviri ava vabvumirana kuti hurumende haikwanisi kupedza dambudziko iri kana isina kugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...