Mari yeKunze kweNyika Yotonga muZimbabwe

Zvitoro zvizhinji munyika, nezvimwe zvinhu zvinosanganisira mari dzekurenda dzimba, nezvimwe zvakadaro, zvinonzi zvave kuramba kutambira mari yemuZimbabwe, zvichisarudza kutambira nemari yekunze chete.


Pamusoro pezvo, zvinhu izvi zvinonzi zviri kutengeswa nemutengo wepamusoro, izvo zviri kuita kuti vanhu vatonyanye kutambudzika, sezvo vasiri vose vanokwanisa kuwana mari iyi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi hwenyika dzinoti izvi zvave kureva kuti vanhu vazhinji vacharamba vachidya nhoko dzezvironda, sezvo vasiri vose vanokwanisa kuwana mari yekunze iyi.

Va Nyasha Muchichwa inyanzvi munyaya dzezvehupfumi musangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaMuchichwa vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti vanhu vazhinji vatambudzika nekushaiwa zvekudya kana zvimwe zvakadaro nekuti havasi vose vanokwanisa kuwana mari yekunze.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...