UN Inoti SADC Ngaigadzirise  Gakava Riri muZimbabwe neChimbichimbi

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki Moon, vanoti nyika dzemuAfrica dzinofanira kugadzirisa gakava remuZimbabwe nechimbi chimbi.

Mashoko aVaBan Ki-Moon anotevera kutadza kuwirirana pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai. Vaviri ava vari kunetsana panyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende, magavhuna, vanyori vemapazi ehurumende, nezvimwe zvinofanirwa kugovanwa muhurumende yemubatanidzwa.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanoti kana hurumende yaVaMugabe ikaramba ichinyima mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, gwaro ravo rekufambisa, havasi kuzoenda kumusangano weSADC wekuzeya gakava riri muZimbabwe.

Hurumende yaVaMugabe iri kunyima VaTsvangirai passport yekufambisa, ichiti VaTsvangirai vanogona kushandisa Emergency Travel Document kwavanenge vachida kuenda.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vanoti musangano weSADC uyu ungangoitirwa kuSouth Africa, Swaziland kana kuti Botswana.

Asi VaSalamao vanoti SADC haisi kuda kupindira panyaya yegwaro rekufambisa raVaTsvangirai. Hurumende inoti haina bepa rekudhinda gwaro raVaTsvangirai, kunyange hazvo vanhu vakawanda vari kupihwa magwaro aya mukati mezuva rimwe chete mushure mekunge vabhadhara mari dzinodiwa.

Nyaya yegwaro rekufambisa raVaTsvangirai, yakaiswa kudare reHigh Court, iro rakapa mutongo wekuti nyaya ye passport yainge isiri yechimbi chimbi.

Magweta aVaTsvangirai akabva akwidzawo nyaya iyi kudare reSupreme Court, iro rakapawo mutongo wekuti nyaya ye passport haisi inoda kunzwikwa nechimbi chimbi.

Asi dare iri harisati ratara zuva richazeyiwa nyaya iyi. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti nyaya yegwaro raVaTsvangirai rekufambisa, yava yezve matongerwo enyika.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika. VaMangongera vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvakakosha kuti VaBan Ki-Moon vataure pamusoro penyaya yeZimbabwe sezvo zvichiratidza kuti Zimbabwe haisati yakanganikwa nenyika dzepasi rino.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...