Dare repamusoro reNANGO neMuvhuro rakasangana muHarare nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nevari kumirira Zanu PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, vachivakumbira kuti vapedze gakava riri kutadzisa kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.
Izvi zvakaitika VaTsvangirai vasati vapinda mumusangano waikokerwa neSADC Troika, uyo wakatadzawo kupedza gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. Mugwaro rayaburitsa, NANGO inotiwo mhuri yeZimbabwe iri kushushikana zvikuru nekusapera kwenhaurirano idzi, uko kwakonzera kutambudzika kwevanhu vakawanda.
NANGO inotiwo iri kukumbira masangano ekunze kuti abatsire nechikafu nezvimwe zvinodiwa mukurerutsa kutambura kwevanhu.
Sachigaro weboard reNANGO, Amai Mildred Sandi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti nhaurirano dzamisa zvinhu zvakawanda, zvikuru panyaya yekufambiswa kwechikafu.