Zanu PF Yotsvaga Uta neMugate paNyaya yeKurima

Nhengo dzedare reparamede dzeZANU-PF, dziri mushishi kutsvaga nzira yekuti vanhu vemuZimbabwe vari kunze kwenyika, vaunze fotireza, nembeu yechibage, sezvo nyika yapererwa nezvinhu izvi.

NeChina, gurukuta rezvekurima, VaRugare Gumbo, vakazivisa kuti hurumende yave kuzopa marezinesi ekubvumidza vanhu kuti vaunze zvekurimisa kubva kune dzimwe nyika.

Nhengo dze ZANU-PF dzakaitawo musangano wekuti vapewo vanhu vari kunze kwenyika, vane vabereki vanorima, mukana wekutengera vabereki vavo mbeu nefotireza, sezvo varivo vane mari yekunze. Munyika muine mutemo unorambidza mbeu dzakauchikwa kuti dzisvike, kana kuti G-M-O, idzo dzinotengeswa munyika dzakawanda, kusanganisira South Africa.

VaAnesu Majengwa vanotengesera vanhu zvinhu zvinoendeswa kuZimbabwe, pa sadza.com.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Manjengwa avo vanoti vanhu vashoma vari kutsvaga mbeu yechibage nefotiresa, nekuti hurumende haiwanzobvumidza mhando yembeu dzinobva kune dzimwe nyika, naizvozvo vanhu vazhinji havadi kutambisa mari yavo yekunze.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...