Zvikwata zveMDC Zvosiyana  paNyaya yeBy-Elections

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti iri kushamiswa nedanho riri kutorwa neZimbabwe Electoral Commission pamwe ne ZANU-PF rekuenderera mberi nesarudzo dzema by-elections, zvisinei nekuti mapato makuru matatu ezvematongerwo enyika, akabvumbirana kuti hapana sarudzo dzinofanirwa kuitwa mukati megore rimwe kubva pavakanyorerana pasi chibvumirano.

Sarudzo dzetsvaga nhengo dzeparamende dziri kuitirwa munzvimbo nhanhatu dzinosanganisira Gokwe-Gumunyu zvichitevera kushaika kwakaita Va Ephraim Mushoriwa vebato reZANU-PF, kuMatobo North, zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Va Lovemeore Moyo, semutauriri weparamende. ukuwo kuGuruve North, kwave kutsvagwawo nhengo yeparamende mushure mekushaika kwaVa Cletus Mabharanga nhengo yeZANU-PF.

Sarudzo idzi dzakatarisirawo kutsvaga nhengo nhatu dzedare reSeneti muChegutu, zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Mai Edna Madzogwe semutungamiri wedare reSeneti, ukuwo kuchiredzi kwave kudiwa Seneta mushure mekugadzwa kwakaitwa Va Titus Maluleke veZANU-PF sagavhuna weMasvingo.

Gokwe South yakatarisirwawo kuita sarudzo zvichitevera kugadzwa kwaVaJaison Max Kokerai Machaya veZANU-PF, sagavhuna we Midlands.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaDenis Murira vanoona nezvesarudzo mubato re MDC inotungamirwa naVaTsvangirai, avo vanoti ZANU-PF yaratidza kuti haisi pachokwadi nekuita sarudzi idzi, zvisinei nekuti pane chibvumirano chiripo pakati pavo

Ukuwo ZANU-PF inoti yakagadzirira kupinda musarudzo dzose dzichaitwa munyika, zvichitevera chisungo chakabuda ne Ccentral Ccommittee yebato iri. Kozotiwo MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara inotiwo kana pasina mutemo wadzikwa wekuti pasaitwe sarudzo, vachakwikwidzawo musarudzo idzi.

Carole Gombakomba weStudio7 aitawo zvakare hurukuro nemunyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaPaul Temba Nyathi, avo vanoti kana chibvumirano ichi chisina kuita mutemo, vachakwikwidza musarudzo idzi, zvichienderana nemutemo uri munyika iye zvino.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...