Gavhuna Dinha Vanoti Vanoita Mhirizhonga Ngavatongwe

Bato reM-D-C mudunhu reMashonaland Central rashoropodza mashoko agavhuna wedunhu iri, VaMartin Dinha, ekuti matare edzimhosva anofanirwa kutonga asingatyi uye kutarisa kuti vabuda mumba maani vose vanopara mhosva dzemhirizhonga. VaDinha vakataura mashoko aya neMuvhuro vari muBindura pakutoreswa mhiko kwemutongi wedare re magistrate, Muzvare Feresi Chakanyuka.

Asi M-D-C, iyo ine nhengo dzakawanda dzakapondwa uye kuparadzirwa misha mudunhu iri, inoti uku kutaura kwemunhu asina hany’a nechokwadi, sezvo vachiziva zvavo kuti hapana chinowira vose vakapara mhosva dzerudzi urwu kana Zanu PF ichine masimba. Dunhu reMashonaland Central nderimwe rematunhu akasangana nematambudziko emhirizhonga inonzi yaikonzerwa nevatsigiri veZanu PF munguva yesarudzo.

Muna Chivabvu, ivo VaDinha nesangano ravo reZimbabwe Lawyers for Justice, vakakurudzira VaMugabe kuti vashandise masimba avo kuti vamise mhirizhonga yavaiti yaikonzerwa nenhengo dzeM-D-C.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muM-D-C mudunhu reMashonaland Central, VaGilson Chitakunye, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti nezvakamboitika kuvatongi munguva yesarudzo, havaoni vatongi vedzimhosva vachizomisa vakapara mhosva dzemhirizhonga pamberi pematare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...