Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe raparura mari itsva ye$50 000.00 uye rakwidzawo mari ino kwanisa kutorwa nemunhu pazuva kubva pa$20 000.00 kusvika pa$50 000.00. Izvi zvinoitika pangopera masvondo maviri chete bhanga guru iri raita zvimwe chetezvo, apo rakakwidza mari dzino torwa nevanhu kubva pa$1 000.00 kuenda pa$20 000.00 uye raka parurawo mari itsva ye$10 000.00 ne$20 000.00.
Asi mabhanga mazhinji muHarare anonzi apererwa nemari kuburikidza nekukwidzwa kwemari dzinotorwa pazuva idzi. Mumwe mushandi werimwe bhanga muHarare anoti vanga vasati vawana mari itsva kubva kuReserve Bank, izvo anoti ndizvo zvaita kuti vapererwe nemari. Matambudziko aya anonziwo asanganikwa nawo nemabhanga emuBulawayo.
Nyanzvi mune zveupfumi uye vari
mutungamiri weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor
Godfrey Kanyenze, vanoti dambudziko remari hari pedzwe nekudhindwa kweimwe
mari, asi kuti kubata infalation, iyo yoita chamuramba mhuru.
Zvichakadaro, sangano reZ-C-T-U rinoti kukwidzwa kwemari
dzino torwa pazuva kwaitwa nebhanga guru reReserve Bank hakuna zvakuno batsira,
sezvo vanhu vari kungoramba vachisangana nematambudziko mamwe chetewo. Mwedzi
wapera sangano iri rakapa gavhuna weR-B-Z VaGideon Gono mazuva manomwe ekuti
vabvise kutarwa kwemari dzino fanirwa kutorwa pazuva.
Mutewedzeri wemunyori mukuru musangano iri, VaJaphet Moyo, vanoti sangano ravo richiri kuda chete kuti kutarwa kwemari uku kubviswe, zvisinei nemari itsva yaiswa iyi.