Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotadzazve Kubudirira

Vari kumirira MDC neZanu-PF munhaurirano dzehurumende yemubatanidzwa, vasangana muHarare neChipiri kuti vayedze kugadzirisa gakava panyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende, asi hapana chanzi chabuda zvakare.

Kusangana kwevamiriri ava kunotevera kutadza kuwirirana neMugovera kwaVaRobert Mugabe veZanu-PF, VaMorgan Tsvangirai veMDC, apmwe naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC.

Kusapera kwegakava iri kwava kupa kuti dzimwe nyika dzitange kuratidza kugunun’una kukuru.

Mutungamiri weANC, VaJacob Zuma, vanoti vakuru vemunyika vanofanira kutaurirana kuti vapedze gakava iri.

VaZuma vanotiwo kana pachida vekunze kuti vapindire, vane chivimbo chekuti vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanogona kuita basa iri, sezvo vari ivo vakaritanga.

Hurumende yeBotswana neChipiri yakatiwo gakava remuZimbabwe rinofanira kugadziriswa nechimbichimbi sezvo rave kukanganisa zvikuru magariro evanhu munyika.

Botswana inoti dzimwe nyika hadzifanire kungoramba dzakapeta maoko, gakava remuZimbabwe richienderera mberi.

Vachitaurawo vari muWashaington neMuvhuro, vaimbove mutungamiri weBotswana, Va Festus Mogae, vakati nyika dzemuSADC hadzifanirwe kuramba dzakanyarara pane zviri kuitika muZimbabwe.

Kunyange hazvo gakava iri riri kuenderera mberi, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti panovhurwa dare reHouse of Assembly svondo rinouya, dare iri rinofanira kutanga kuzeya nyaya yekuvandudza bumbiro remitemo, kana kuti Constitutional Ammendement Number 19.

Dare reseneti rakavhurwa neChipiri rikatanga nekuzeya mashoko aVaMugabe avakataura musi wavhurwa matare maviri aya muna Nyamavhuvhu.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti nhafu yeZanu-PF yave kukanganisa nyaya yehurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza mutori Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe vari kutya kuti zvivi zvavo zvingabude vakatenda kuti MDC itore mapazi akakosha.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...