Dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rinonzi ratonyanya sezvo mabhanga akawanda anga achinzi haachina mari. Dambudziko remari iri rinouya apo bhanga guru renyika reR-B-Z rakakwidza mari dzinotorwa nemunhu pazuva, kubva pa $1 000.00 kusvika pa$20 000.00.
Vamwe vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari iri ranyanyowedzerwa nedanho rakatorwa nebhanga guru rekurambidza kushandiswa kwenzira yekufambisa mari yeReal Time Gross Settlement, kana kuti RTGS.
Mumwe mushandi werimwe bhanga muHarare anoti R-B-Z yakarambidzawo kufambiswa kwemari kubva kune rimwe bazi rebhanga kuenda kune rimwe, kana kuti inter-account transfers.
Mushandi uyu anoti izvi ndizvo zvimwe
zviri kuita kuti vanhu vashaye mari sezvo chose chavanoda kubhadhara chava
kufanirwa kubhadharwa nemari.
VaProsper Chitambara inyanzvi mune zveupfumi, uye vari kuita zvidzidzo zvemari zvepamusoro paBirmingham University kuBritain.
VaChitambara vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko iri richaramba riripo sezvo R-B-Z isina mapepa ekudhinda mari.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...