CHRA Yotyira Kupararira kweZvirwere Zvinokonzerwa neMvura

Sangano rinomirira vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, rinoti vagari veguta iri vachiri kutyira kupararira kwechirwere chekorera, sezvo vachiri kutarisana nematambudziko ekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena.

Vagari vemuChitungwiza neHarare vanoti vakatarisana nedambudziko rechirwere chemanyoka ichi, icho hurumende inoti chagadzikana. Bazi rezvehutano rinoti chirwere ichi chakaurayisa vanhu vanosvika gumi nevatatu. Asi veruzhinji vanoti huwandu hwevanhu vakafa nekorera hunodarika huri kutaurwa nehurumende uhu.

VaJustice Mavedzenge vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muCHRA.

VaMavedzenge vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hapana zvavari kuona zvikuru zviri kuitwa nehurumende kana kanzuru yeHarare pakudzivirira dambudziko iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...