Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe Koramba Kupera

M-D-C inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti zviri kuburitswa mumapepanhau ehurumende pamwe nedzinhepfenyuro zvekuti nhaurirano pakati peZanu PF neM-D-C dziri kuenderera mberi neMuvhuro, hachisi chokwadi.

Bato iri rinoti chokwadi chiripo ndechekuti paita mangange pakati paVaTsvangirai naVaMugabe pamusoro pekugoveranwa kwemapazi ehurumende akawanda, kwete maviri sezviri kutaurwa nebepanhau reHerald.

Mutauriri weM-D-C, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo ratopira makakatanwa aya kuSADC pamwe neAfrican Union. Tatadza kubata Zanu PF kuti tinzwewo divi rayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...