Nhaurirano Dzoitirwa paNharembozha neChina?

  • Ntungamili Nkomo

Vanomirira bato reZanu PF nezvikwata zviviri zveMDC munhaurirano pakati pemapato aya, vanonzi vaswera vachiridzirana nhare neChina vachikurukura nezvenyaya yekusawirirana pamusoro penyaya yekugoverana mapazi ehurumende.

Mutauriri we MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, varamba kutsinhira mashoko aya.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhengo dzezvikwata zviri munhaurirano idzi dzaswera dzichiridzirana nhare dzichitsvaga nzira yekupedza gakava iri.

Imwe nhengo yeZanu PF isina kuda kudomwa nezita yaudza Studio 7 kuti vanomirira zvikwata izvi vanga vachiudzawo vatungamiri vemapato avo mafambiro ari kuita zvinhu.

Nhengo iyi yaudzawo Studio 7 kuti Zanu PF yabvuma kuti bazi remari ritorwe neMDC Asi nhengo iyi yati yanga isati yawana zvizere nezvenyaya yekugoveranwa kwemamwe mapazi.

VaRejoyce Ngwenya inyanzvi mune zvematongero enyika. Ntungamili Nkomo weStudio 7 aita hurukuro naVaNgwenya kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...