VaChombo Voramba Vachikanda Nhengo dzeZanu PF muMakanzuru

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vanonzi vakafonera meya weguta reMutare, VaBrian James, neChipiri vachivaudza kuti vagadze semakanzura varume vatatu, avo vanonzi vari kumirira masangano akasiyana siyana kana kuti ma special interest groups. Varume vainzi vagadzwe ava, vanozivikanwa senhengo dzeZanu PF uye zvinonzi havana masangano avari kumirira kunze kweZanu PF.

Vainzi vagadzwe ava vanoti nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaIsau Mupfumi, vaive sachigaro wekomisheni yeguta reMutare uye vari gweta reZanu PF, VaMisheck Mugadza, pamwe nevanozivikanwa kuti inhengo yeZanu PF, VaTapiwa Matangaidze. Zvinonzi VaChombo vakaudza VaJames kuti kana vasina kugadza varume vatatu ava semakanzura neChipiri chakare, vaizoenda ivo mbune kwaMutare vonodzinga VaJames basa rehumeya.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChombo. Guta reMutare rine makanzura gumi nemapfumbamwe ose ari ebato reM-D-C.

VaAdmire Mukorera ndivo mutevedzeri wameya weMutare. Makurera vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havana chichazeyiwa nekanzuru yavo chinobva kuvarume vatatu ava, sezvo vasina masangano avari kumirira.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...