RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira

Bhanga guru renyika, kana kuti Reserve Bank of Zimbabwe, ratanga kushandisa mari itsva ye $10 000 ne $20 000 kutanga neMuvhuro.

Bhanga iri ratangawo kubvumidza neMuvhuro mabhanga kuti vanhu vachitora mari inosvika $20 000 pazuva, kubva pa $1 000 pazuva.

RBZ inoti yakwidza mari idzi kuitira kuti vanhu varerukirwe. Izvi zvinoitika mushure mekunge ZCTU yavimbisa svondo rapera, kutorera RBZ matanho makuru, kana isina kukwidza mari idzi.

Munguva imwe cheteyo neZCTU, zvizwara zveZimbabwe zvakakwidzawo banga iri kumatare edzimhosva zvichiti mari iri kupihwa pazuva ishoma zvikuru.

Kunyange hazvo mari dzinotorwa kubhanga dzawedzerwa, zvinonzi mitsetse yevanhu vari kuda kutora mari dzavo mumabhanga, ichiri mirefu mumabhanga ari emuHarare, Bulawayo nemamwe maguta.

Kunyange hazvo mari idzi dzakwidzwa, zviri kudiwa kutengwa nemunhu pazuva, zvava nemitengo yakakwira, izvo zviri kupa kuti mari iyi ishaye basa.

Muzvare Naome Chikanya inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Chikanya pamusoro penyaya iyi.

Ukuwo sangano rinomirira vashandi munyika, reZCTU, rinoti ramisa kuratidzira kwaranga rakaronga kuita, sezvo RBZ yawedzera mari dzinotorwa kubhanga pazuva. Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti vamisa hurongwa hwekuratidzira, kuitira kuti vashandi vaongorore kana mari yatanga kubvumidzwa neMuvhuro kutorwa kumabhanga, ichikwanirana nezvinodiwa nevashandi.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, ZCTU inoti kana vashandi vasiri kufadzwa nemari idzi, vachipinda mumugwagwa vachinyunyuta.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...