ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari

Sangano reZ-C-T-U rapa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, mazuva manomwe ekugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nemari shoma dziri kubvumidzwa vanhu kutora pazuva kubva kumabhanga.

Z-C-T-U inoti tsamba yekuzivisa nezvedanho iri yakatumirwa kumukuru weR-B-Z, VaGideon Gono musi wa22 Gunyana, zvichireva kuti R-B-Z inofanirwa kunge yagadzirisa zviri kunetsa panosvika musi wa29 Gunyana. Z-C-T-U inoti kana pasina matanho atorwa ekugadzirisa nyaya iyi neR-B-Z, vashandi vachatorera bhanga iri matanho akakodzera.

Sangano iri rinoti vanhuwo zvavo vari kubvumidzwa kutora mari inoita $1 000.00 pazuva kubva kumabhanga kwavo, asi mauto nevashandi vemumabhanga vachibvumidzwa kutora mari dziri pakati pe$10 000.00 ne$30 000.00 pazuva. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumabhanga kuti seyi paine mutsauko pamari dzinobvumidzwa kutora pazuva.

Munyori mukuru weZ-C-T-U, VaWellongton Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havasi kuzozivisa matanho achatorwa nevashandi, asi vati vashandi vari kuziva zvavachaita.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...