Nhaurirano Pakati peMDC neZanu-PF Dzotadza Kupera

  • Ntungamili Nkomo

Zvikwata zvitatu zveMDC neZanu PF zviri munhaurirano, hazvina kusangana neChishanu kuti zvizeye gakava ravapo kunyange hazvo nyaya yekugoveranwa kwemapazi ehurumende yakadzoserwa kuzvikwata izvi neChina.

Vane ruzivo nezviri kuitika vaudza Studio 7 kuti zvikwata izvi zvingangosangana pakupera kwesvondo. Asi zvinonzi nyaya yekuti zvikwata izvi zviwirirane panyaya yekugoveranwa kwemapazi ehurumende ichanetsa nekuti pane nhengo muMDC nemuZanu PF dzinodawo zvigaro zvakonzera mutauro izvi.

Zvinonzi nyaya iyi ingangogadziriswa chete nevatungamiri vemapato matatu, VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara pachavo. Zvinonzi musangano pakati pevatatu ava uchaitwa pakupera pesvondo rinotevera, apo VaMugabe vanenge vadzoka kubva kumusangano weUnited Nations General Assembly ku New York kuAmerica.

VaMugabe vanonzi vachasimuka manheru eChishanu munyika vachienda kuNew York. Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro na Coordinator weNCA muSouth Africa, uye vari muongorori wenyaya dzematongero enyika, Va Tapera Kapuya, kuti tinzwe mafungiro avo pagakava iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...