Red Cross Inoti Yava Kutanga Zvakare Kupa Rubatsiro

Sangano reRed Cross rati rava kutanga kupa rubatsiro rwechikafu kune vanotambura. Sangano iri rinoti riri kutarisira kupa chikafu chine huwandu hunoita 383 metric tonnes kuvanhu vanosvika zviuru makumi maviri nezvina. Sangano iri ratiwo riri kugadzirira kutakurwa kwechikafu ichi kubva munzvimbo dzachakachengeterwa muHarare, Bulawayo pamwe nekwaMutare.

Mutauriri weInternational Federation of Red Cross and Red Crescent Societies muZimbabwe, VaPeter Lundburg, vanoti ino inguva yakaoma zvikuru sezvo vanhu vaita mwedzi yakawanda vasina chikafu chakakwana.

Nyika yakatarisana nenzara huru zvichitevera danho rakambenge ratorwa nehurumende yaVaMugabe rekumborambidza masangano anopa rubatsiro kushanda, ichi vapomera mhosva yekushanda nebato reMDC. Asi hurumende yakazobvumidza masangano aya kutanga kushanda zvakare.

Mashoko atiri kutambira anotiwo mutungamiri weMDC uye vakamirira kugadzwa semutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, svondo rinouya vacha tenderera nenyika vachi ongorora mamiriro akaita nyaya dzechikafu.

Ukuwo, mutauriri weNANGO, VaFambai Ngirande, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti masangano akatanga kupa rubatsiro achiri kungosangana nematambudziko akafanana neavaimbosangana nawo kare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...