Zanu PF Yoburitsa Mavara Ayo paNyaya yeChibvumirano

Nhaurirano dzekugovana makurukota achange achitungamira mapazi ehurumende pakati pemutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, pamwe nevatungamiri veMDC vaviri, VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara, dzakaita mutauro mukuru unogona kuvhiringa hurongwa hwechibvumirano chakanyoreranwa nevatatu ava neMuvhuro.

Musangano weChina wakaitwa kuState House unonzi hauna kufamba zvakanaka, sezvo VaMugabe vange voita zvenhafu vachida kutora zvigaro zvose zvakakosha mudare remakurukota iri. VaMugabe vanonzi havasi kuda kuti MDC itore makurukota ane chekuita nezvekudzivirirwa kwenyika-defence, kuburitswa kwemashoko, kurima uye bazi rezvehupfumi-finance.

Danho rakatorwa naVaMugabe rinotevera chisungo chakabuda nemusangano weCentral Committee yeZanu-PF, uyo wakaitwa neChitatatu.

Zvinonzi Central Committee yakakomekedza VaMugabe kuti vasadududza panyaya iyi. MDC iri kudawo kuti makurukota ayo atungamire mapazi aya, kunze kwebazi rekudzivirirwa kwenyika chete.

Kusawirirana uku kwapa kuti nyaya iyi idzoserwe kuchikwata chaitungamira nhaurirano idzi chakamirira mapato aya.

Makakatanwa aya akaramba aripo, anogona kudzosera chibvumirano kumashure, izvo zvinozoburitsa pachena kuti pakanyoreranwa chibvumirano ichi, vamwe vainge vasiri muchokwadi.

Asi VaMutambara vaudza Studio 7 kuti vawirirana pane zvakawanda kwasara zvishoma zvinoda kugadziriswa.

VaMutambara vanogara vakati zvinhu zvose zviri kufamba negwara, ukuwo VaTsvangirai vachipokana nevamwe vavo vaviri. VaMutambara vati hurukuro idzi dziri kuenderera mberi.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti nyaya yenhaurirano dzemakurukota yava kunetsa kuipeta.

Chief whip weZanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vaudzawo Blessing Zulu kuti handi chokwadi kuti Central Committee yebato ravo ndiyo yakaomesa musoro neChitatu panyaya yedare remakurukota.

Professor John Makumbe, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe havafanire kuita nhafu sezvo vakakundikana kugadzirisa nyaya idzi kare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...