Bazi re United Nations re UNESCO nebazi rehurumende rinoona nezvedzidzo, neChina vaita mhemberero dzekucherechedza zuva re International Day of Peace, kunyange hazvo zuva iri riri kufanirwa kucherechedza nemusi weSvondo.
Mhembererero idzi dzanga dziine nziyo, nhetembo pamwe nemitambo inokurudzira runyararo.
Masangano akazvimirira oga
ataura neStudio 7 anoti haana kukokwa kumhemberero idzi. Zvisinei, VaTirso Dos Santos, avo vanofambisa mabasa eUNESCO muZimbabwe, vati zviri
kuitika muAfrica zviri kuratidza kuti
nyika dzemudunhu iri hadzisi kuzokwanisa kuzadzikisa zvinangwa zve Millenium
Goals muna 2015. Zvinangwa izvi zvinosanganisirawo rugare kana kuti
runyararo.
Vebazi rezvedzidzo vatiwo
vafadzwa kuti zuva iri riri kucherechedzwa panguva iyo munyika maitwa
chibvumirano pakati peZANU-PF nemapato maviri eMDC, izvo zviri kutarisirwa
kuunza runyararo munyika.
Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko, National Director veZimbabwe Peace Project, avo vanotiwo kunyange hazvo mapato ezvematongerwo enyika akanyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwe chete, vanhu havasati vava nerugare munzvimbo dzavagere.