Makanzura eMDC Otadziswa Kuita Basa muBindura neZanu PF

Makanzura eMDC kuBindura anoti vachiri kunetsekana zvikuru kuti vabatsire vanhu kutenga upfu kubva kune vanogaya, avo vari kuti vari kushandisa magwaro ava kapihwa nemakanzura aimbove eZanu PF. Vemakambani anogaya hupfu vanotenga chibage ichi kubva kuGMB.

Zvinonzi vaive makanzura eZanu PF vachiri kunyora vanhu vanoda kutenga upfu kunyange hazvo vakakundwa musarudzo dzemakanzura nenhengo dzeMDC. Zvinonzi makanzura eMDC, ari kunyorawo vanhu vose vanoda kutenga upfu voendesa mazita aya kune vanogaya upfu, asi mazita aya haasi kuzoshandiswa pakutengwa kweupfu uhwu.

Zvinonziwo vechidiki veZanu PF vari pasi pebazi rezvekugara kwevanhu kwakanaka, ndivo vave kushandiswa mukuita basa rekunyora vanoda upfu kana chibage, izvo zvaifanirwa kuitwa nemakanzura. Izvi zvinonzi zviri kuitika mudunhu reShamva kwakare kuMashonaland Central, uko kunonziwo Zanu PF ine vanhu vayakaisa semakanzura, kunyange hazvo yakakundwa musarudzo.

Kanzura weMDC muWard 5 kuBindura, VaDaniso Wakatama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vaudzwa na District Administrator wedunhu ravo kuti havachina simba rekunyora vanhu vanoda chikafu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...