VaGona Vanowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva

Bhanga guru renyika rawedzera neChitatu mari inokwaniswa kutorwa kubva mubhanga pazuva, kubva pamazana mashanu emadhora kusvika pachiuri chimwe chete chemadhora.

Izvi zvinoteverawo mari yabudiswa nebhanga iri yechiuru chimwe chete chemadhora, iyo yatanga kushandiswa neChitatu munyika.

Hurumende, kuburikidza naGavhuna webanga guru renyika, VaGideon Gono, inoti yakwidza mari inotorwa kubhanga pazuva, sezvo mari iri kuramba ichipera simba.

Vanhu vari kunetsekana zvikuru kuwana mari dzavo kumabhanga, sezvo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaya mari yakakwana.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezve hupfumi hwenyika, uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro pa University of Birmingham kuBritain.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChitambara kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zvaitwa nebahanga guru.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...