Nzara Yorwadza Vanhu Vakawanda muZimbabwe

Nzara pamwe nekuoma kwehupenyu zvichikonzerwa nekukwira kwemitengo yezvinhu zvose, zvinonzi zvapfunya chisero munyika. Zvinhu zvakaita sechikafu hazvisi kuwanikwa munyika, kunyange nevane mari yekutenga zvinhu izvi.

Vamwe vashoma vanonzi vava kutopona nekuunganidza mari vachinotenga zvekudya nezvimwe zvinodiwa, kunyika dzakaita seBotswana neSouth Africa. Svondo rapera, hurumende yakati yakabvumidza masangano anopa rubatsiro, kuti atange zvakare kuyamura vanotambura.

Asi hurongwa uhu hunonzi hauna kutambirwa zvakanaka nemasangano aya, sezvo paine mimwe mitemo yakanzi inofanirwa kutevedzwa nemasangano aya kuti atange zvakare kushanda.

Nekune rimwe divi, hurumende iri kubatsira vanhu nechirongwa chayo cheBACOSI, asi veruzhinji vanoti havasi kukwanisa kutenga chikafu ichi, sezvo pachinzi pari kushandiswa zvematongerwo enyika mukutengeswa kwechikafu ichi.

Mukutarisa zvose izvi, tatsvagawo pfungwa dzaReverend Forbes Matonga, National Director veChristian Care, sangano rinobatsirawo nechikafu, pamwe naVaPhilip Pasirayi, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vachiongorora zvematongerwo enyika.

Vaviri ava vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti panofanirwa kutorwa matanho nekukasika kuitira kuti vanhu vabatsirwe nechikafu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...