Nyaya yenhaurirano pakati peZanu-PF neMDC inogona kunetsa kutanga sezvo MDC iri kuti Zanu-PF iri kuita
zvehumbimbindoga, ichityora zvibvumirano zvavakaita nekuenderera mberi
nekuda kugadza matare eparamende.
Nhengo dzedare reHouse of Assembly, pamwe neSenate, dziri kutarisirwa kutora mhiko neMuvhuro. Asi nyaya yekuti ndiyani achava mutauriri wedare reparamende, uye kuti poitwa sei panyaya yemakurukota ehurumende, yave kutemesa musoro vakawanda.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti chikwata cheMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, chiri kuda kuti VaPaul Themba Nyathi vaite mutauriri wedare iri. Mutemo unobvumidza kuti munhu akambenge ari nhengo yeparamende, anogona kusarudzwa kuva mutauriri weparamende, kunyange hazvo asina kusarudzwa rwendo runo kuti ave nhengo yeparamende.
Chikwata cheMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai chinonzi chiri kuda kuti, sachigaro webato iri, VaLovemore Moyo,
vaitwe mutauriri wedare reHouse of Assembly.
Mamwe mazita ari kutaurwa
nemapato ose mazita akaita seaVaGibson Sibanda uye VaDumiso Dabengwa veMavambo.
Central komiti yeZanu-PF iri kutarisirwa kusangana neMugovera kuti isarudze
wainoda kuti aite mutauriri weparamende.
Asi vamwe mubato iri vanoti pane mukurukota akakundwa musarudzo, ndipo pachabva mutauriri ari kudiwa neZanu-PF. Mazita aripo anosangainisira muzvare Oppah Muchinguru, VaJohn Nkomo naVaHerbert Murerwa.
Mapato ose anonzi ari mushishi kutsvaga rutsigiro rwekuti nhengo dzavo
dzitore chigaro ichi. Bato reMDC rinoti richaenda kunotora haro mhiko, asi
nyaya yekuti dare ritange kusangana, inogona kukanganisa nyaya yenhaurirano.
Memorandum of Understanding
yakanyoreranwa pasi nemapato aya, inoti dare reparamende rinofanira kumira
kumbosangana, kudzamara kutaurirana kwapera. Asi SADC yakati dare iri rinogona
kutanga basa, nhaurirano idzi dzichienderera hadzo mberi. Hapana kuwirirana
pamagweta kuti chii chichaitwa kumakurukota manomwe akakundwa musarudzo
dzenhengo dzedare reparamende, avo vanosanganisira gurukota rezvemitemo,
vapatrick chinamasa.
Vamwe vanoti basa ravo
rapera kana vasina kudomwa kuti vave nhengo dzesenate, asi vamwe vanoti VaMugabe vanogona kushandisa chikiribidi vovadzora kwemwedzi mitatu vachimboona
kuti nhaurirano dzingafamba sei.
Mutemo webumbiro remitemo yenyika unoti makurukota anenge asina kusarudzwa, anogona kushanda apo paramende inenge yambomiswa, omiswa kana pava neparamende itsva.
Doctor Lovemore Madhuku nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo uye vari sachigaro weNCA vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti kugadzwa kwedare reparamende kunotyora chibvumirano cheMDC neZanu-PF asi kuri pamutemo.