Vapoteri Vodzingwa muSouth Africa

Vanhu vemuZimbabwe nevamwe vedzimwe nyika vari kutsvaga hupotere muSouth Africa, vava kudzoserwa kunyika dzavo kutanga neChitatu, vasina kupihwa mukana wekupikisa mutemo wakadzikwa nenyika iyi.

Zvinonzi vanenge vanyimwa hupoteri, vari kubva vaendeswa ipapo ku Lindela Repartriation Centre, vachimirira kuburitswa munyika iyi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuti seyi hurumende yeSouth Africa, yava kutora matanho akadai.

Muzvare Stella Mkiliwane ndivo Operations Manager we Refugee Ministries Centre.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Mkiliwane kuti tinzwe zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...