Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti hurumende yaVaMugabe ikagadza matare maviri eparamende, VaMugabe vanenge vatyora chibvumirano chavakanyorerana pasi, kana kuti Memorandum of Understanding.
Munyori weparamende, VaAustin Zvoma, vanoti matare eparamende achatanga kushanda neChipiri svondo rinouya.
Asi munyori mukuru muMDC yaVaTsvangirai, VaTendai Biti, vanoti izvi zvikaitwa zvinenge zvoratidza kuti Zanu-PF haichadi zvenhaurirano.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vanofanira kuremekedza mamwe mapato nekunzwa zvaanofunga vasati vaenderera mberi nezvavanenge vachida.
Ukuwo mutauriri wechikwata chaVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanoti havaoni chakaipa kuti dare reparamende rigadzwe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...