Mangange Pakati paVaMugabe naVaTsvangirai Otemesa  VaMbeki Musoro

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa zvakare kuenda kuZimbabwe mukupera kweSvondo, kunoyedza kugadzirisa mangange avapo munhaurirano dziri kuitwa neMDC neZanu-PF.

Kutanga neChishanu kusvika Svondo, SADC yakakundikana kugadzirisa dambudziko reZimbabwe iri, sezvo painge pasina kuwirirana panyaya yekuti masimba emutungamiri wenyika neemutungamiri wehurumende, anenge akamira sei.

VaMugabe, vachitsigirwa naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC, vakaudza dare reSADC troika kuti kupa VaTsvangirai masimba avaida, zvainge zvakangofanana nekuti VaMugabe vaende havo pamudyandigere.

Asi MDC payakazouya negwaro rine masimba ana VaMugabe, ichiudza SADC, izvi zvinonzi zvakapa SADC kuti ibvumewo kuti masimba aVaMugabe ainge akawandisa. Zvinonzi SADC yakatokatyamadzwa nemasimba acho.

VaMugabe vanoda kuti vave sachigaro wemapazi ose echiuto, uye vachiva sachigaro wedare remakurukota.

VaTsvangirai vanodawo kuti vange vari sachigaro wedare remakurukota, uye vaine masimba ekudzinga pamwe nekudoma makurukota.

MDC inonzi yakaudza SADC kuti kana VaMugabe vachiti VaTsvangirai vainge vaine masimba akawandisa, vainge vakasununguka kuita mutungamiri wehurumende, VaMugabe voitwa Prime Minister.

Asi izvi zvakarambwa naVaMugabe zvekare. SADC yakabuda nechisungo chekuti dare reparamende rigadzwe zvinova zviri kurambwa neMDC.

VaBrian Kagoro igweta uye vachiongorora nyaya dzezve matongerwo enyika. VaKagoro vaudza mutori wenhau, Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMbeki vanofanira kuomesera VaMugabe kuti panyoreranwe chisungo chakati tsvikiti.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...