Zanu PF Yoramba Ichishungurudza MDC kuBuhera

Bato reMDC kuManicaland rinoti vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, pamwe nevechidiki veZanu PF kuBuhera South, vachitungamirwa nemutevedzeri we Zimbabwe National War Veteran Association, VaJoseph Chinotimba, vari kuenderera mberi nekutyisidzira uye kushungurudza vanofungidzirwa kuti vanotsigira bato rinopikisa mudunhu iri.

Bato iri rinoti kutanga kwesvondo rino, VaChinotimba vakaita musangano nemasabhuku vakavaudza kuti vaenderere mberi nekuomesera nhengo dzeMDC, zvisineyi nenhaurirano dzanga dzichiitwa pakati peZanu PF neMDC, idzo dzaikurudzira kumiswa kwemhirizhonga.
Zvinonzi VaChinotimba vakaudza masabhuku aya kuti vanoziva kuti MDC iri kuda kubata vanhu kumeso nekunyepera kupinda munhaurirano.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaChinotimba, kanawo Zanu PF, pane zviri kutaurwa neMDC. Dzimwe nhengo dzeMDC dzakanga dzambotiza misha yadzo, dzinonzi dzakarohwa mushure mekunge dzaedza kudzokera kumisha yadzo kuBuhera kwakare.

Vamwe vevakarohwa ava vanonzi vari muchipatara chekwaMurambinda uko vari kurapwa.

Mamwe mashoko atatambira anotiwo vanozviti vakarwa hondo yerusununguko kudunhu reTshitshi, kumaruwa ePlumtree, vari kuramba vachishungurudza vatsigiri veMDC vachivarambidza kugaisa chibage chavo pazvigayo zviri munzvimbo iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...