Hurumende yeSouth Africa inoti iri kutarisira kuti nyika dzose dzemu SADC dzichange dziri pamusangano wevatungamiri venyika idzi, uyo uchaitwa pakupera kwesvondo muJohannesburg.
Ukowo vemasangano evashandi muSouth Africa, Zimbabwe pamwe nemuSwaziland, vanoti vacharatidzira pamusangano uyu kana VaMugabe naMambo Mswati wekuSwaziland vakakokwa.Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau Benedict Nhlapho, masangano aya anoti achaomesera VaMugabe rwendo runo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muSADC, Mai Lefa Martin,
vaudza Studio 7 kuti SADC haisi kuzonangana nematambudziko ari muZimbabwe
chete, uye vati hapana chikonzero chingaite kuti SADC irambidze VaMugabe kuti
vange vari pamusangano uyu.
Doctor Temba Shoniwa vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Witwatersrand. Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naDr Shoniwa avo vanoti zviri nani kuti SADC ikoke vose veZANU-PF neMDC kumusangano uyu, sezvo hurukuro dziri pakati pemapato aya, dzisati dzabuditsa chisungo.