VaTsvangirai naVaMugabe Votarisirwa Kupeta Nhaurirano

Vane ruzivo nezviri kuitika munhaurirano pakati peMDC neZanu-PF, vanoti zvave kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti vobvuma here kutambira gwaro rakabva kunhumwa dzavo kuSouth Africa nekuzadzisa zvakasara kuti vange vachishanda pamwe chete.


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vari kutarisirwa kupinda munyika neMugovera vozosangana naVaMugabe, VaTsvangirai naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC.

Nyaya ichakurukurwa nezvayo inyaya yekuti mapato aya angashande ose sei. Izvi zvinosanganisira nyaya yekuti VaMugabe naVaTsvangirai vanenge vaine masimba akaita sei, uye kuti panenge paine makurukota mangani uye achibva kumapato api.

Kana vachinge vawirirana pari kutarisirwa kuti mapato aya achawana mukana wekuudza mapato avo zvinenge zvabuda vasati vanyorerana pasi. Zvichakadaro, pane mashoko ekuti hamuna kuwirirana munhengo zhinji dzemapato aya.

Nekowo hurumende iri kuramba yakatsika madziro kuti nhumwa yeUnited Nations, VaHaile Menkerios, vapinde munyika.

Hurumende inoti VaMenkerios vanogona kuvhiringidza nhaurirano. Asi mutauriri weUN VaFarhan Haq, vaudza Studio7 kuti VaMenkerios vari muchikwata chinoshanda naVaMbeki pakugadzirisa dambudziko reZimbabwe vakati havasi kuda kuvhiringidza nhaurirano.

Asi VaMenkerios vakatosangana nevamwe veMDC uye vakuru vehurumende yeSouth Africa muPretoria.

Professor John Makumbe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika.uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe. Professor makumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kunyangwe pachamboita zvimhingamupinyi, vanotarisira kuti mapato ose achatenderana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...