Ishe Chiduku Voripisa Vatsigiri veMDC

Bato reMDC kuManicaland rinoti nhengo dzaro kudunhu reMakoni dziri kumanikidzwa naShe Chiduku kubvisa mari inoita $50.00 yemari itsva, semuripo wekuti dzakafara zvakapfuurira apo bato reMDC rakakunda musarudzo dzakaitwa muna Kurume.

Zvinonzi Ishe Chiduku vakatuma mupurisa wavo kuti afambe achizivisa masabhuku nezvedanho iri, uye zvinonzi vakati anenge asina kubvisa mari iyi panopera zuva musi wa15 mwedzi uno, achadzingwa mudunhu iri. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna Ishe Chiduku, kanawo kubva ku Zanu PF.

Nhengo dzeMDC mumatunhu akasiyana siyana dziri kuoneswa chitsvuku nemasabhuku pamwe nemadzishe, avo vari kuvaripisa mari pamwe nezvipfuyo vachivapomera mhosva yekutsigira bato rinopikisa. Izvi zviri kuitika kunyange hazvo MDC neZanu PF, dzakanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete mukugadzirisa matambudziko ari munyika, pasina kuomeserana.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri kuti bato ravo rir kukurudzira nhengo dzaro kuti dzisabhadhare mari iyi, uye richaona kuti patorwa matanho kuburikidza nemapurisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...