Mapato Ari Munhaurirano Anoti Mhirizhonga Ngaipere Izvozvo

Mapato eMDC neZanu PF, ayo ari munhaurirano dzekutsvaga nzira dzekuunza runyararo munyika, anoti anoshora kuenderera kuri kuita mhirizhonga yezvematongerwo enyika. Vari kutungamirira munhaurirano idzi, vanoti vawirirana kuti mhirizhonga iyi ipedzwe zvachose.

Mapato aya anoti mhirizhonga inokanganisa magariro evanhu munyika, uye achaita zvose zvinodiwa kuti nhengo dzavo dzimise mhirizhonga. Mapato aya atiwo mutemo unofanirwa kuonekwa uchishanda zvakaenzana kune vanhu vose, zvisinei nekuti ndeve bato ripi.

Mapato aya anoti akazvipira kushanda pamwe chete mukuona kuti izvi zvatevedzerwa. Nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vati vanotambira danho ratorwa panyaya yemhirizhonga.

Nyika yakabatwa nerushambwa rwekupondana mushure mesarudzo dzemuna Kurume, izvo zvinonzi zvakaita kuti nhengo dzeMDC dzinodarika zana nemakumi maviri, dzirasikirwe nehupenyu.

Mhirizhonga inonzi ichiri kuenderera mberi mumatunhu eBuhera South kuManicaland, kuMudzi kuMashonaland East, uye kuGokwe kuMidlands. Studio7 haina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTapiwa Mashakada, kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapato aya ava kutotanga kuudza nhengo dzavo kuti dzisiyane nemhirizhonga.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...