Vamwe vanorarama pamwe nekurwira
kodzero dzevanorarama nehutachiwana hweHIV/AIDS,
vari kumusangano we17th International AIDS Conference kuMexico, vanoti vari kufadzwa nedanho riri kutorwa nevechidiki
kumusangano uyu.
Amai Lynde Francis, vesangano re The Center, avo vari ku Mexico, vaudza Studio7 kuti ichi
chiratidzo chekuti vechidiki vave kuzvipira mukutorawo matanho ekuedza kutsvaga
nzira dzekurwisana nechirwere ichi.
Zvisinei Amai Francis vatnoi musangano uyu uri kupindwa nevanhu vanosvika 22 000 wakakurisa, zvekuti vanhu vanogona kutadza kubata zvingavabatsira pakurwisana neHIV/AIDS.
Mai Francis vawedzera vachiti vanhu vazhinji vavari kusangana navo
kumusangano uyu, vari kuda kuziva zviri kuitika muZimbabwe panyaya
dzezvematongerwo enyika, uye vanonzi vari kuda kuziva kuti zvirongwa
zvinobatsira vanorarama neHIV/AIDS, zviri kuvhiringwa sei nemamiriro
akaita zvinhu munyika.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aitawo hurukuro naMuzvare Martha Tholana, avo vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV/AIDS, uyezve vari acting Coordinator ve Network of Positive Women.
Muzvare Tholana vanoti vanogutsikana nedanho rakatorwa nemamwe masangano akaunza madzimai ekumaruva, kuti vazvinzirewo zvirikuika panyaya dzekutsvaga rubatsiro munyaya dzeHIV/AIDS.