Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vave kutarisirwa kutanga kutaurirana pachavo neChina, kuitira kuti vawirirane pagwara richatorwa mukuumba hurumende itsva.
Izvi zvinotevera mangange aripo munhaurirano idzi. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhumwa yeUnited Nations, Va Heile Menkerios, vanonzi vaenda kuSouth Africa kunobatsirana nemuyananisi wegakava riri muZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.
VaMbeki vari kutarisirwa kuti vatungamire
nhaurirano pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vaviri ava vari kutarisirwa
kuti vagadzirise nyaya mbiri dzanetsa yekuti VaTsvangirai naVaMugabe vogovana
sei masimba, sezvo hurumende iri kuda kuumbwa ichange iine mutungamiri wenyika,
uye mutungamiri wehurumende. Nyaya yeChipiri inyaya yekuti posarudzwa sei
magavhuna.
MDC iri kudawo mamwe magavhuna kuMatebelaland kwayakakunda musarudzo, nekuwo Zanu-PF ichiti zvinogona kukanganisa chibvumirano cheZanu-PF nePF Zapu chakabvumiranwa muna 1987.
VaBrian Kagoro igweta uye vari Regional Policy and Advocacy Manager weActionAid muAfrica. VaKagoro vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe naVaTsvangirai vanofanira kutozvininipisa kuti panyoreranwe chibvumirano.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...