Hurumende Yokurudzira Kupihwa kweChikafu

Hurumende inoti pane hurongwa huripo pakati pebazi rezve hutano pamwe nebazi rekugara kwakanaka kwevanhu, pamusoro pechikafu chinobva kumasangano anobatsira.

Gurukota rezvehutano nekuchengetedzwa kwevana, Doctor David Parirenyetwa, vanoti vatanga kutauririrana negurukota rezvevashandi nekuchengetwa kwakanaka kwevanhu, kuti masangano akazvimirira oga anopa vanhu chikafu, atange kuita basa iri.

VaParirenyetwa vanoti vatanga kuudza masangano anopa vanhu vakaita sevakwegura, pamwe nevari kurarama nehutachiwana, kuti vapihwe matsamba ekuendesa chikafu ichi kuvanhu ava.

Chikafu chakawanda hachisi kupihwa vanhu vanoda chikafu, zvichitevera kupindira kwehurumende munyaya dzechikafu.

Nyaya yechikafu, imwe yenyaya dziri kukurukurwa kunhaurirano dziri kuitwa pakati peMDC ne ZANU-PF.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaParirenyetwa kuitira kuti tinzwe pamire hurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...