Mauto, Mapurisa Oda Kupindawo muNhaurirano dzeMDC neZanu PF?

Nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF dziri kutarisirwa kutanga nemusi weSvondo muPretoria kuSouth Africa. Vane ruzivo nezviri kuitika kunhaurirano idzi vanoti vakuru vemauto, mapurisa, majeregadhi neC-I-O, vanogona kudaidzwa kunhaurirano idzi asi nechekumucheto.

VaMbeki vachiri kuzeya pfungwa iyi, sezvo zviri kunzi pakaitwa chibvumirano pasina pfungwa dzevakuru vezvekudzivirirwa kwenyika ava, zvinogona kunetsa kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vapihwe masimba ekutonga.

Vakuru vezvekudzivirirwa kwenyika ava vakatopika kare kuti havafi vakasaruta VaTsvangirai. Vakuru ava vanosanganisira mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, pamwe nemukuru wemajere, VaParadzai Zimondi.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Regional Coordinator we Transitional Justice Program musangano reCenter for the Study of Violence and Reconciliation kuSouth Africa.

VaMpani vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvakakosha kunzwa pamire vakuru ava, asi handi zvinhu zvakanaka nekuti pamutemo havafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...