Nyanzvi Dzozeya Hurongwa Hwakatarwa naVaGono

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vari kuita mhandamatsipa panyaya dzemari.

Asi vamwewo vanoti hurongwa hwaVaGono uhu huchatokonzera matambudziko makukutu sezvo pasina dzidziso yakakwana iri kupihwa vanhu, uye hurongwa uhu hwaitwa zvatsuro yamukira mumakumbo.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzehupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, pamwe nemutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagoni, avo vanowirirana vose kuti nyaya dzezvematongerwo enyika, dzinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti nyaya dzehupfumi dzimire zvakanaka.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...