Zvirongwa zveHIV/AIDS muZimbabwe Zvoshaya Rubatsiro

Sangano re International Preparedness Coalition, rinoti munyika dzakaita seZimbabwe mamwe masangano anobatsira, haachapi rubatsiro munyaya dze HIV/AIDS uye zvave kutyirwa kuti zvirango zvehupfumi zvakawedzerwa, kubudikidza nekusamira zvakanana kwezvematongerwo enyika, zvichaita kuti rubatsiro uru runyanye kuita rushoma.

Mashoko aya akabuditswa mugwaro re The HIV/AIDS Response And Health Systems: Building on Success to Archieve Health Care For All, iro rakanyorwawo nevanhu vanosanganisira Muzvare Matilda Moyo vePan Africa Treatment Access Movement (PATAM), pamwe ne Southern African Treatment Access Movement (SAFAM)

Gwaro iri rinoti masangano aya nedzihurumende vanofanirwa kukoshesa budiriro dzaitwa muzvirongwa zve HIV/AIDS, pamwe nekuzvisimbaradza, kuitira kuti zvinangwa zve United Nations Miillenium Development Goals zvibudirire muna 2015.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro Muzvare Moyo avo vanoti vanorwara nezvimwe zvirwere vanokwanisawo kuwana rubatsiro kana vana chiremba, vana mukoti, nevamwe vanoshanda muzvipatara, vakawana rubatsiro, kubudikidza nezvirongwa zve HIV/AIDS.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio7...