America Inotemera Hurumende yaVaMugabe Zvimwe Zvirango

Hurumende yeAmerica yawedzera zvirango zvayakatemera pahurumende yaVaMugabe, zvichitevera mhirizhonga iri kuitika munyika.

Mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, vanoti hurumende yavo icharamba ichiomesera VaMugabe kudzamara varatidza kiti vava kuremekedza mutemo, uye kodzero dzevanhu. VaBush vatiwo kana nhaurirano dziri pakati peMDC neZanu PF dzikaumba hurumende inoremekedzwa neveruzhinji, hurumende yavo inogona kubatsira Zimbabwe.

Ukuwo bazi rinoona nezve mari muAmerica, ratiwo ratemera zvirangano mamwe makambani ari muZimbabwe, ayo ari kubatsira hurumende yaVaMugabe. Makambaani aya anosanganisira makambani ari pasi paVaSaviour Kasukuwere, pamwe naVaWebster Shamu.


Apo VaBush vanga vachisaina mutemo wekutemera hurumende yaVaMugabe zvimwe zvirango, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, vanga vachipa vana vechikoro gumi nevapfumbamwe mari inoita mamiriyoni mashanu emadhora eku America. Mari iyi ichashandiswa mukubhadharira vana ava dzidzo yemuzvikoro zvepamusoro soro muAmerica kwemakore mana.

Vadzidzi vapihwa rubatsiro urwu vana vanobva mumhuri dzinoshaya. Sekutaura kuri kuita Slyvia Manika, vadzidzi ava vanobva muzvikoro zvakaita seMurehwa, Thornhill, Kutama, Seke, nezvimwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...