Sangano reConfederation Industries of Zimbabwe, kana kuti CZI, rinoti huwandu hwezvinhu zvinogadzirwa nemakambani ari munyika, hwadzikira gore rino nezvikamu makumi maviri nezvisere kubva muzana.
Mugwaro rakaburitswa neCZI rinoti pamakambani zana ayakaongorora, mamwe makambani aya anonzi ava pedyo nekutadza zvachose kuita basa, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.
Vacallisto Jokonya ndivo mutungamiri weCZI.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaJokonya kuti tinzwe zviri kupa kuti makambani emunyika apinde panguva yakaoma kudai.
Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...