Mhirizhonga Ichiri Kuitika Kunyange Kutaurirana Kwatanga

Kunyange hazvo MDC neZanu PF dzakanyorerana pasi chibvumirano chekuti pave nekutaurirana senzira yekugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika, mhirizhonga iri kuramba ichiitika munyika, uye vari kuona zviri kuitika, vanoti mhirizhonga iyi iri kukonzerwa neZanu PF.
Mashoko atiri kutambira anotiwo vamwe vevanhu vakanga vatiza mhirizhonga kuMashonaland East, vanonzi vari kushungurudzwa kana vasvika kumisha yavo. Vamwe vanonzi vari kuripiswa nemasabhuku nemadzishe avo, vamwewo vachinzi vari kutanga varohwa vasati vatambirwa. Mumwe wevanhu vakadzokera kuMurehwa South, ari muchipatara mushure mekurohwa.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vamiriri veZanu PF mudunhu iri, kuti tinzwe pfungwa dzavo.
Mune mamwe matunhu akaita seMurehwa North, zvinonzi vakuru vakuru vebato reZanu PF, vave kukurudzira kuti nhengo dzavo dzisiyane netsika yemhirizhonga, uye kutaura zvematongerwo enyika.

Ukuwo mashoko atiri kunzwa anoti mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, vanonziwo vakakurudzira vagari vemudunhu ravo kuHwedza mukupera kwesvondo, kuti vasiyane netsika yemhirizhonga. Mauto ndiwo anonzi anga achinyanya kukonzera mhirizhonga munyika.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoona nezve kuburitswa kwemashoko muMDC kuMashonaland East, VaPiniel Denga, avo vanoti dunhu reMudzi richiri kuramba riri dunhu rine mhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...