Nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF dzave kutarisirwa kutanga neChina, sezvo MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, uye Zanu-PF vange vachimbokwenenzvera hurongwa hwavo.
Chikwata chaVaArthur Mutambara chakatosvika muPretoria neChipiri. Sezvakatarwa muchibvumirano chakanyoreranwa neMuvhuro, mutungamiri
weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vanova mutongi gava panyaya iyi, vainge
vachida kuti hurukuro idzi dzitange neChipiri, dzopera mukati memasvondo maviri.
Vri kumiririra Zanu-PF kunhaurirano idzi, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemitemo uye VaNicholas Goche, gurukota rezvevashandi, vainge vachimboita nhaurirano dzekugumisira nevakuru vebato ravo.
Ukuwo MDC yaVaTsvangirai yange ichikwenenzvera chikwata chayo. Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, vachange vachibatsirwa nasachigaro webato iri, VaLovemore Moyo, uye vakafanobata chigaro cheWomen’s Assembly, Amai Theressa Makone.
Mutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga, avo vari kushanya kuBritain, vanoti hurukuro idzi dzinofanirawo kuti dzipewo VaMugabe mukana
wekuti vaende pamudyandigere murunyararo sezvo izvi zviri izvo chete
zvingabatsira mhuri yeZimbabwe.
VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mavhiki maviri haangakwane kuti hurukuro inge yapera kunyangwe mapato aya ange ambogara achitaurirana.