Veruzhinji Votarisira Kutanga kweNhaurirano dzeMDC neZanu-PF

Nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF dzinenge dzava kutarisirwa kutanga neChitatu, kuSouth Africa, kwete neChipiri sezvazvange zvakarongwa.

Asi mapato ari munhaurirano idzi anenge asinawo chokwadi kuti nhanga nhaurirano idzi dzinotanga riini chaizvo.

Vamwe vanoti dzichatanga neChitatu, vamwe vachiti neChina. Sezvakatenderanwa muchibvumirano chakaitwa neMuvhuro, nhaurirano idzi dzichaitwa kwemasvondo maviri pasina zororo paine chinangwa chekuti paitwe chibvumirano chinozonoturwa kumusangano weSADC uchaitwa muSouth Africa mwedzi unouya.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti zvakakosha kuti vemasangano akazvimirira oga nemhuri yeZimbabwe vatambire zvinenge zvabuda munhaurirano idzi, kwete kuti vemapato ezvematongerwo enyika chete, vaite humbimbindoga panyaya iyi.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-Moon, vanoti vari munhaurirano idzi vanofanira kunge vari vanhu vakazvipira kugadzirisa nyika yaenda kumawere.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vari kutarisira kuti hurukuro dzichafamba zvakanaka.

Ukuwo nhengo yekomiti inoona nezvekubudiswa kwemashoko muZanu PF, VaChris Mutsvangwa, uye vaimbova mumiriri weZimbabwe kuChina, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zvinhu zvakanaka kuti vanhu vataurirane.

Ukuwo gweta rine mukurumbira, Muzvare Theresa Mugadza, vanotiwo pachati netseyi kuti chibvumirano chinge chapera mumasvondo maviri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...