Mamwe Machechi Okurudzira Hurumende yeMubatanidzwa

Sangano reHeads of Christian Denominations in Zimbabwe, raburitsa gwaro rekukuridzira kuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa, kana kuti Government of National Unity.

Machechi aya, ayo anosanganisira Zimbabwe Council of Churches, Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Catholic Bishop’s Conference, anoti anodawo kupinda munhaurirano dzekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Father Frederick Chiromba ndivo mutauriri weHeads of Christian Denominations in Zimbabwe.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro na Father Chiromba kuti tinzwe zviri mugwaro ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...