Zanu PF Yomanikidza Vanhu Kunwa Muchetura

Vanhu vaviri vekuChiweshe vari muchipatara mushure mekurohwa pamwe nekumanikidzwa kunwa muchetura nevatsigiri veZanu PF.

Sekutaura kuri kuitwa naSylvia Manika, vamwe vanhu vaviri vanonzi vakafa mushure mekurohwa kuChiweshe neMugovera.

Ukuwo vari kukonzera mhirizhonga yezve matongerwo enyika vanonzi vave kutora nzira dzakasiyana siyana dzekushungurudza nadzo vanhu, idzo dzinosanganisira kuvanwisa muchetura, pamwe nekuvapindira munzvimbo dzavanenge vakahwanda. Makamba evechidiki veZanu PF anonzi achiri kushandiswa, kunyange hazvo paine kurudziro yekuti aputswe.

Jonga Kandemiiri weStudio7 abata sachigaro weZimbabwe Peace Project uye vari national director weCCJP, VaAlois Chaumba, avo vamuudza kuti maonera avo ndeekuti Zanu PF iri kuda kuparadza MDC zvachose.

Mamwe mashoko atiri kutambira anoti mhirizhonga iri kuramba ichiitika mumatunhu eGokwe kuMidlands, uko kunonzi vanhu vari shungurudzwa, uye kurohwa nemasoja pamwe nevechidiki veZanu PF.

Zvinonzi vanhu vakawanda vari muchipatara cheGokwe zvichitevera kushungurudzwa kwavakaitwa. Mumwe wevakarohwa zvakaipisisa, mumiriri weGokwe-Kabuyuni, VaCostain Muguti, avo vanonzi vakapambwa mukupera kwesvondo nevechidiki veZanu PF, vakarohwa zvakaipisisa vasati vaiswa mumaoko emapurisa. VaMuguti vakazoregwa musi weMuvhuro, uye pari zvino vari kurapwa vachibva kumba kwavo.

KuManicaland, mutauriri weMDC, VaPishai Muchauraya, vanoti vatsigiri vebato ravo vanenge vapambwa nevarwiri vehondo yerusununguko, vari kutongerwa kuita community service. Mabasa avari kunzi vaite anonzi anosanganisira kudiridza muminda yeGonzoni kuChimanimani West, uye kugadzira migwagwa mudunhu iri.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...