Zanu-PF neMDC dziri kutarisirwa neChina kutanga nhaurirano dzekuzeya zvingazoda kutauriranwa kana poitwa nhaurirano dzizere dzekugadzirisa dambudziko ratarisana nenyika.
Mumwe mukuru muhurumende asina kuda kudomwa nezita rake anoti nhaurirano idzi dzichatanga muSouth Africa neChina.
Vari kumirira Zanu-PF ndiVaPatrick Chinamasa naVaNicholas Goche, ukuwo MDC ichamirirwa nevanyori vakuru vezvikwata zviviri zveMDC, VaWelshman Ncube, vekuchikwata chaVaArthur Mutambara, uye VaTendai Biti, vachimirira divi raVaMorgan Tsvangirai.
VaBiti vakapihwa gwaro ravo rekufambisa neChitatu iro rainge rakachengetwa nedare reHigh Court sezvo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yaVaMugabe nechisimba. Asi VaBiti vari kuramba mhosva iyi.
Mukuru muhurumende uyu ati dare rePolitiburo rakasangana muHarare neChina rikabvumirana kuti paitwe hurukuro nekuchimbidza neMDC nekuti zvinhu munyika zvinogona kuipa sezvo nyika dzakawanda dzisiri kufara nezvakabuda musarudzo.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti kuti nhaurirano dzifambirewo mberi zvakanaka mhirizhonga inofanirawo kumira.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...