Masoja anga akapakatira pfuti dzerudzi rweAK47, uye ari mumotokari mbiri, anonzi aenda kumba kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, achida kupinda mumba kuti ataure navo. Zvinonzi vachengetedzi vepamba paVaTsvangirai, varamba kuvhura gedhi, uye varambawo kutyisidzirwa nemasoja aya.
Zvinonzi masoja aya atyisidzira vachengetedzi vepamba apa achiti anogona kuvauraya kana vakaramba kuvhura gedhi. Asi vachengetedzi ava vanonzi varamba vakatsika madziro vachiti zviri nani kuti vafe zvavo, pane kuregera masoja aya achipinda mumba maVaTsvangirai.
VaTsvangirai vakambogara kunze kwenyika kwemasvondo akati wandeyi vachiti vaityira hupenyu hwavo kana vakadzokera kumusha. Izvi zvinotevera yambiro yavakapihwa nemadzisahwira avo ari muhurumende. Asi hurumende, kubudikidza nemukuru wemapurisa, Police Commissiner General, Augustine Chihuri, yakati hupenyu hwaVaTsvangirai hwakange husiri munjodzi. Mashoko aya akatsinhirwawo naVaMugabe, avo vakati hapana aida kupfuudza mutungamiri weMDC.
Zvinoshamisa ndezvekuti seyi vanhu vakaita saVaChihuri vachisiya masoja achiita pamadiro achienda kumba kwaVaTsvangirai. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, kanawo remauto pachiitiko ichi.
Munyori anoona nezve kudzivirirwa kwenyika muMDC, VaGiles Mutsekwa, vati zvaitwa nemasoja hazviratidzi chimiro chakanaka kuhurumende yaVaMugabe. VaMutsekwa vaudza Patience Rusere weStudio7 kuti masoja aya haana mvumo yekuenda kumba kwaVaTsvangirai.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...