Zanu PF Inorwisa Vapoteri  Vari paRuwa Rehabilitation Centre


Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti mhirizhonga iri kuramba ichienderera mberi mudunhu reMidlands, umo vanhu vakawanda vari kunzi vari kupondwa uye kushungurudzwa neZanu PF. Sangano iri rinotiwo mhirizhonga iyi iri kuitikawo mumamwe matunhu ari munyika. Zimbabwe Peace Project inofamba ichitora humbowo hwemhirizhonga iri kuitika munyika.

Mashoko atiri kunzwa kubva kuManicaland, anotiwo vatsigiri vatatu veMDC kuMakoni South, vakapambwa neMugovera, uye hapana ari kuziva kuti varipi.

Ukuwo bato reMDC rinoti vechidiki veZanu PF, pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko, vakapinda mukamba iri kuchengeterwa vatsigiri vayo kuRuwa. Vanhu ava vakatiza mhirizhonga iri kuitika munyika. Bato iri rinoti harisati raziva kuti sei izvi zvakaitika sezvo nzvimbo iyi ichi chengetedzwa siku nesikati.

Kamba yepaRuwa inofungidzirwa kuti ine vanhu vanodarika mazana matatau, avo vakanga vambopotera pamuzinda weSouth Africa uri muHarare. Svondo rapera MDC yakazivisa kuti vanhu ava vari kugara senhapwa sezvo vasingabvumidzwi kubuda mukamba umu, kana kushanyirwa.

Tatadza kubata vebazi rezvekugara kwakanaka kwevanhu kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata VaFred Makuvise, avo vanoshanda mubazi reMDC rinoona nezve kubatsirwa kwevanhu, avo vamuudza kuti vari kunetseka kuziva kuti pane vanhu vapondwa here uye kuti vanhu vangani vapambwa, sezvo vari kurambidzwa kupinda mukamba umu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...